Isaiah 36

Senakeribhi anovhundutsira Jerusarema

1Mugore regumi namana rokutonga kwaMambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose akakomberedzwa aJudha akaapamba. 2Ipapo mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo yake nehondo huru achibva kuRakishi kuna Mambo Hezekia muJerusarema. Mukuru wehondo akati amira pamugero weDziva roKumusoro, pamugwagwa unoenda kuMunda woMusuki, 3ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, mufambisi webasa mumuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo, akabuda kundosangana naye.

4Mukuru wehondo akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti:

“ ‘Zvanzi namambo mukuru, iye mambo weAsiria: Uri kuvimba nei chaizvo?
5Iwe unoti une urongwa nesimba rokurwa, asi uri kutaura mashoko asina maturo. Ko, unovimba naaniko, zvawandimukira? 6Tarira zvino, unovimba neIjipiti, ruya rushanga rwomudonzvo rwakavhunika, runobaya ruoko rwomunhu nokumupa vanga kana azendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye. 7Asi kana ukati kwandiri, “Isu tinovimba naJehovha Mwari wedu,” haasi iye here ane nzvimbo dzakakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, iye akati kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi”?

8“ ‘Zvino chiuya, ita sungano natenzi wangu, mambo weAsiria: Ndichakupa mabhiza anokwana zviuru zviviri, kana ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo! 9Ungagona seiko kukunda mubati mumwe wavabati vadiki vatenzi vangu, kunyange uchivimba nengoro dzeIjipiti navatasvi vadzo vamabhiza? 10Pamusoro pezvo, ndauya kuzorwa nenyika ino nokuiparadza ndisina Jehovha here? Jehovha pachake andiudza kuti ndiuye munyika ino ndizoiparadza.’ ”

11Ipapo Eriakimu, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wehondo, “Tapota hedu, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu, sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachinzwa.”

12Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wenyu nemi chete ndisingatauriwo kuvarume vagere parusvingo, ivo vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yavo kufanana nemi here?”

13Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira nechiHebheru achiti, “Inzwai mashoko amambo mukuru, mambo weAsiria! 14Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Iye haangagoni kukurwirai! 15Musarega Hezekia achikunyengetedzai kuti muvimbe naJehovha achiti, ‘Jehovha achakurwirai zvirokwazvo; guta rino harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’

16“Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake uye achanwa mvura inobva muchitubu chake, 17kusvikira ndauya ndizokutorai, ndigokuendesai kunyika yakaita seyenyu, nyika ine zviyo newaini itsva, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa.

18“Musarega Hezekia achikutsausai achiti, ‘Jehovha achatirwira.’ Ndimwari weipi nyika zvayo akamborwira nyika yake muruoko rwamambo weAsiria? 19Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria muruoko rwangu here? 20Ndavapi pakati pavamwari vendudzi dzose vakambogona kuponesa nyika dzavo kubva kwandiri? Ko, Jehovha achagona seiko kurwira Jerusarema muruoko rwangu?”

21Asi vanhu vakaramba vanyerere, vakasapindura chinhu, nokuti mambo akanga arayira achiti, “Musamupindura.”

22Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wehondo.

Copyright information for SnaBDSC